Praise, O Sian, praise thy master
1
IMBISAI vanhu vese, Tunhidzai Tenzi wedu, Mufudzi wedu wedi; Wakatipa Sakararamende Rinokosha romuviri Neropa rake redi.
2
Chipo chakakura kwazvo Ichi chingwa choupenyu Kudya kwedu kwomweya; Sezvo iyeakakupa Kuna Vapostori vake, Ichi chidyo chetsitsi.
3
Ndizvo isu tinokudza Tenzi wedu Jesu Kristu Musakaramende rake; Isu tese vanhu vake Tinofara kumuona, Muponisi naMambo.
4
Zvino uri rutonJedzo Runova noMutero WoMuponisi wedu; Ndizvo minamato yedu Inosvika kunaBaba NdiTenzi wedu Jesu.
5
Ichi chingwa chinoyera Chinosimbisa Makristu Ngeupenyu hwaTenzi. Makristi enyika dzese, Vadaviri vedi vese, Vanosimbiswa ndiye.
6
Chingwa chedi chokudenga Chidyo chedi, Muponisi, Kudya kwomweya yedu yese, Gutsa mwya yedu yese, Tipe simba rako rese, Dakara tikuone.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.