Alleluya! Sing to Jesus
1
ARERUYA! kuna Jesu Kuna Mamabo wedu. Areruya! Mukuriri, Une mbiri yese. Vanhu vese ngavaimbe Ndwiyo dzokufara, Jesu wakatiponisa Neropa rakewo.
2
Areruya! Hatichemi Hatigari tega; Areruya! Uri petyo Tinokudavira Kana uchiri kudenga Tinotondera izwi Rechitsidzo chako kuti, Ndinemi narini.
3
Areruya! Tenzi ndiwe Chingwa chengerosi. Areruya! Kudya kwedu Toswendera petyo; Tikumbirir M'ponisi Une simba rese, Apo vanoyera vese Vari kutunhidza.
4
Areruya! Unogara Tenzi wavatenzi Areruya! Munhu wedi Mwana waMaria; Ndiwe Chidyao choKudenga, Ndiwe Muteuro, Pasi nokudenga.
5
Areruya! Kuna Jesu Kuna Mambo wedu, Areruya! Mukuriri Une mbiri yese. Vanhu vese ngavaimbe Ndwiyo dzokufara Jesu wakatiponisa Neropa rakewo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.