Bhaibheri

Tafunga Baba ngerudo ruya

Anglican · Nziyo · 194

And now, O Father, mindful of the love

1

TAFUNGA Baba ngerudo ruya Rwakatitenga paMuchinhiko; Tiripano naye Muponisi, NdiJesu anotikumbira, Iye Kudenga, isuwo pasi Tinokupa pamwe Muteuro.

2

Tarisa Baba, pausu hwake. Mupristi mukuru wakazorwa, Tiri vanyangadzi takatadza, Tinotuiswa tega kuswendera; Ndizvo tinopereka Mudiwa, Tenzi uyo wakatiponisa.

3

Tinokumbirazve Iwe Mwari Ngepamusana pehama dzedu, Chengeta vese vese vakafa vedu Ponisa avo vari mu'penyu; Vafungatire paditi rako, Nokvabatsira kuchamira.

4

Ndizvozvo tauya Muponisi Kunewe unotida kwazvo, Ngeuku kudya kunotapira Tiponise kubva zvakaipa. Ngatifare nokusununguka, Mukuitira basa narini.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.