Lo! He comes with clouds descending
1
IYE wakafira vanhu Achadzika ane mbiri Vatsvene vakafa vese Vachauya naye Mambo Areruya Kristu achadzikazve
2
Vanhu vese vachaona Mbiri yake inotyisa Avo akamutengisa Nokubaya Tenzi wavo Vachachema Vakuzoona Mambo.
3
Madzvadi enhamo yake Achaonwa anembiri Achakuzwa nguva dzese Ndivo vakaponeswa Vachafara Kuona Muponisi
4
Ngatikuombere tese Pachigaro chamambo Kristu tora samba rese Tonga pasi narini Areyuya Mambo wezviro zvose
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.