Bhaibheri

Vafudzi vari mukufudza hwai usiku

Anglican · Nziyo · 29

While shepherds watched

1

VAFUDZI vari mukufudza hwai usiku Ngerozi inopenya yakadzika ngembiri

2

Ichiti Musatye, zvo vakange vave kutya Naunza kufara kunemi navanhu vese .

3

Nhasi muBeterehema kwaberekwa Kristu M'ponisi wedu Tenzi worudzi rwaDavidi.

4

Muanga rengombe imi muchaona Tenzi, Uyo mwana muduku akarara mundiro.

5

Ngerosi zhinji dzakasanganira naiyo Kuvirikidza Mwari ngekufara, dzichiti

6

mbiri ngaive kunaMwari uri kudenga Pasi pano runyararo kuna vanhu vese.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.