Hark! the herald Angels sing
1
NGEROSI dzinoimba Kukudza Mambo mutsva. Rugare ruripasi Vanhu vasunungurwa. Farai ndudzi dzese Pamwe navo kudenga Revai nengerosi, Kristu wabarwa nhasi Ngerosi dzinoimba Mbiri kuMambo mutsva.
2
Kristu ngaatunhidzwe Kristu Tenzi wekare Onai zvino wasvika Dangwe romusikana Ngatione Umwari Hwavandiswa munyama Anogara kunesu Jesu, Mwari anesu.
3
Kwaziwai Muchinda! Zuva rokururama Anounza upenyu Norujeko kunesu Achisiya mbiri yake Wabarirwa kuponisa Vanhu vese vepasi Kupa rupenyu hutsva.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.