Bhaibheri

Pasi risati ravapo

Anglican · Nziyo · 32

Of the Father's love begotten

1

PASI risati ravapo Wakabarwa niBaba Ndimavambo namagumo Wakazvisika zvese Zviripo, zviro zvekare Nezviro zvichavapo Zvigare zvakadaro.

2

Takapfumiswa zvikuru Ngekuberekwa kwake, Izvo Maria Mhandara Akabereka Tenzi Mwana M'ponisi wavanhu Wakaonekwa pasi, Zvigare zvakadaro.

3

Ndiye, wazivi vekare Vakamukudza vese Vaprofiti vanoyera Vakataura ndiye Ari kuuya, zvisikwa Ngazvitunhidze Tenzi Zvigare zvakadaro.

4

Denga rese, virikidza Ngerosi tunhudzai Zviro zvese kotamai Mukudze Mwari wedu Vanhu vese vari pasi Ngavaimbe pamwepo Zvigare zvakadaro.

5

Varume navakomana Vese vakuimbire Vakadzi navasikana Vapindure vafare Ndwiyo dzavo ngadzikwire Nezvitendo zvomwoyo Zvigare zvakadaro.

6

Kuna Kristu, kuna Baba, Nokunewe Mweya Ndwiyo nezvitendo zvese Ngazviripiwe narini Mbiri huru nokukudzwa Nokukurira kwese Zvigare zvakadaro. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.