Bhaibheri

Kristu Muponisi wedu

Anglican · Nziyo · 31

O Christ, Redeemer of our race

1

KRISTU Muponisi wedu Kupenya kwaMwari Baba Iwe wakange unaye Pasi risati rasikwa

2

Uri ruvheneko rwedi Muima rezvakaipa Inzwa minamato yese Pasi pese musi uno

3

Tondera Tenzi wetsitsi Kuti wakatiponisa Ngekuitwa munhu kare NdiMaria wakachena.

4

Kuti zuva richibuda Nhas'uno panyika dzese Vanhu vese vanoitazve Wakaitaponisa wega

5

Wakatumirwa ndiBaba, Kudaidza vana vake Denga nepasi nenyanza Zvinokudza rudo rwake.

6

Nesu tinofara nhasi Takasunungurwa ndiye Tinoimba rwiyo rutsva Izvo wakabarwa nhasi

7

Mbiri ngaive kunewe Wakabarwa ndiMaria Mbiri kunaMwari Baba Naye Mweya Unoyera.Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.