Bhaibheri

Kare kwakamira danga

Anglican · Nziyo · 34

Once in royal David's city

1

KARE kwakamira danga Mumusha waDavidi Umo mai vakaisa Kamwana mune ngombe Maria ndiye Mai Jesu Kristu kamwana

2

Wakasiya mbiri yake Mwari wedu naTenzi Wakabarwa pasi pano Mudanga rezvipfuwo Ona, M'ponisi wedu Wakagara murombo.

3

Paupwere hwake hwese Wakadisa Maria Misi tese wakamunzwa Uyo wakamurera Imi vana edzai Kufanana naye.

4

Wakapa muedzaniso Worugaro kunesu Waichema waiseka Waiita sesuwo Anosongana nesu Munhamo nokufara

5

Pakuguma ticham'ona Iye Mambo worudo Uyo Mwana wakatiwa Ari Mwari mukuru Kuti tichitevera Tichasvika Kudenga. Hatihamuoni apo Pane danga rengombe Tichaona a'ne mbiri Achikudzwa kudenga Apo vachava naye Vana vake vazhinji.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.