Bhaibheri

Kwakati panguva yekutonga kwaHoredi Mambo

Anglican · Nziyo · 36

1

KWAKATI panguva yekutonga kwaHoredi Mambo Tese ngatitunhidze Mwari,tese ngatitunhidze nokumuombera Vafudzi vagere pamwoto vachifudza hwai usiku Mukupenya Ngerosi yakati, Musatye, ndaunza rufaro kune pasi- Nhasi muBeterehema kwaberekwa Kristu Muponisi wedu- Iye Mwana unoyera kwazvo wabarwa mundiro yevipfuwo- Ngerosi dzaimba Mbiri kumusoro, rudo kuna vanhu, runyararo pasi- Iye ari ruveneko rwedi mudima rezvita zvedu- Wakatumwa ndiBaba kuzodaidza isu vana vake- Denga pasi nenyadza zvinokudza ruo rwake- Iye wakabvuma kufa kuti tione ruveneko- Ngatimuimbire rwiyo rutsva ngekutifira kwake- Mwari anofadzwa ngerupinduko rwedu norudaviro- MaKristu namatirai vese vari mudima vaone ruveneko- Mwari ari kumirira vese vari mudima kuuya musangano Ndizvo ngaanzwe minamato yedu nhasi uno narini.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.