I know a plant-it springeth
1
ZVINO ratunga gwenzi Baba ngaatunhidzwewo Rabva mudzinde kwaro Mwana ngaatunhidzwewo Remudzi wasaJese'ngeizwi raIsaya Mweya ngautunhidzwewo.
2
Muprofiti Isaya Baba ngaatunhidzwe Wakafemera iro Mwana ngaatunhidzwewo Gwenzi rinonzi Roziri richaobereka Mweya ngaautunhidzwe,
3
Mutiyo ndiMaria Baba ngaatunhidzwewo Wakabara Ruva Jesu Mwana ngaatunhidzwewo Ona Karuva aka kamwana kakapfava Mweya ngautunhidzwewo.
4
Kwakange kune chando Baba ngaatunhidzwewo Usiku hwakasvipa Mwana ngaatunhidzwewo Ngerosi dzoti ngwee dzichiimba ngeMwana Mweya ngautunhidzwewo.
5
Mbiri'ko kunaMwari Baba ngaatunhidzwewo Kuna Mwari kumusoro Mwana ngaatunhidzwe Rugare kunesuwo ngatifare niJesu Mweya ngatunhidzwewo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.