Bhaibheri

Mberi kwamakomo

Anglican · Nziyo · 46

From the Eastern mountains

1

MBERI kwamakomo Amabvazuva Kunosvika vanhu Vane kuziva Vari kuchamira Muiro basa Vakatungamidzwa Ngenyenyedzi'yo

2

Rueneko rwavo NdiMuponisi Uyo wazviita Mutungamidzi Anovenekera Vanhu vekare Sezvo yakaita Nyenyedzi yake.

3

Unganisa Tenzi Vakarasika Uvavenekere Vari panzira Batsira vafambi Kuti vazhinji Vatevere kwazvo Iyo nyenyedzi.

4

Jesu, Muchengeti Titungamidze Gara uchipenya Pamusoro pedu Batsira vakuru Navadukuzve, Navo vamaJuda Navanhu vese.

5

Jesu, wakarara Mukachidyiro Unotonga zvino Vamambo vese Unganisa avo Panzvimbo dzese Vasakamboona Nyenyedzi yako.

6

Kuchavapo ngedi Ndudzi dzavanhu Vari kutevera Mureza wako Kure kumakomo Kumusha kwavo Uko kusinaba Kufa nenhamo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.