Bhaibheri

Vanhu vaiva mudima

Anglican · Nziyo · 48

The people that in darkness sat

1

VANHU vaiva mudima Vapenyiswa zvino Kupenya kwavhenekera Vaiva mukufa.

2

Kuzochingamidza zuva Ndudzi dzaungana Dziri kufara pamwepo Kudana vakohwi.

3

Ngekuti dzasunungurwa Dzaponiswa dzese Dzapiwa samba rokurwa Nezvitadzo zvese.

4

Zvo tapiwa Mukorore Tabarirwa Mwana Samba redenga nepasi Ngerake narini.

5

Muchinda woRunyararo NaTenzi Mugari Munanisi, Mureveri Mwari, zita rake. Umambo hwake huchava Pamusoro pezvese Kutongazve noungwaru Hazvizogumiba.

6

Tinokutondera Jesu Nokupfava kwako, Ugere pamwe naBaba Naye Munyaradzi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.