O thou, who dost to man accord
1
M'PONISI unopa vanhu Zvipo zvese zvakanaka Mudiwa wavanhu Jesu tauya kunewe Inzwa zvikumbiro zvedu Tiri kukutsvaka.
2
Tinoziva mhosva dzedu Dzepfungwa mazwi nabasa Takatadza tese Uchenure hana dzedu Dzorera vanopinduka Uvasunungure
3
Kuti uchiramba isu Tingabatsirwe ndiani Iwe Muponisi Suka mwoyo yakasvipa Tambira vanochemera Zvinyangadzo zvavo.
4
Ngekutsanya kwako kare Wakapa muenzaniso Mukutsanya kwedu Tipe tizvirambe zvino Ndizvo tifare pamusi Ndizvo tifare pamusi Wokumuka kwako.
5
A!Utatu Hunoyera Tipe tsitsi dzako zvino Tikotse narini Kuti tamuka mukufa Tikuimbire kudenga Navatsvene vako.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.