Nguva Yedambudzo
1
ONA mureza waMambo, Muchinjiko unopenya Apo Musiki wavanhu Akatiripira mhosva.
2
Aripo, rutivi rwake Rwakabaiwa ngepfumo, Kutichenura ngeropa Rakabuda nemvurawo.
3
Izvo zvakaudzwa kare NdiDavid zvaitwa zvino, Kuti Mwari wakatonga; Nokukurira pamuti.
4
Iwe m uti une mbiri, Apo Kwakaiswa Tenzi, Wakapenya ngezvitsvuku Zveropa reMuponisi
5
Wakatsikinura tese, Kubva muzvitadzo zvese; Akakurira Satani Uyo wakabata vanhu.
6
Utatu husingagumi Vese ngavakutunhidze, Titonge ngemuchinjiko, Wakatidzorera ndiwo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.