Sing, my tongue,the glorious battle
1
IMBIRAI ndimi dzese Kurwa kune mbiri, Mese tunhidzai Kristu, Ndiye Mukuriri Muteuro paM'chinjiko, Wakatiponisa.
2
Nguva yake yapfura Yokugara nesu, Muponisi anozvipa Kune nhamo zhinji. Nyenye yaroverwa zvino Mupereko wedi.
3
Mbambo, pfumo ,wakorera Minzwa nokufirwa; Muviri wakadurura Mvura neRopawo ; Tsime tsvene rokugeza Vanhu nezvisikwa
4
Iwe Muchinjiko kwawo, Muti une mbiri; Une ruva nomuchero Zvinopinda zvese; Uyo apo aturikwa Ndiye Musikiwo.
5
Kombamisa mhandu dzako, Muti' yo murefu; Kuoma kwazvo kwekare, Ndiwe uri kutaura Mambo woKudenga.
6
Iwe wega wafanira Kutsigira Tenzi; Ndiwe vanhu wagashira Ruponeso rwavo; Nyenye yavazora zvino NgeRopa rinokosha.
7
Mbiri kuna Mwari Baba, Kuno Mukorore, Kuno Mweya Unoyera Mumwe ngeVatatu, Mwari ane samba rese Agere narini. Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.