Light's glittering morn bedecks the sky
1
KUPENYA kwab uda zvino, Inzwa kufara kwedenga, Pasi rafadzwa raimba, Gehena riri kuchema.
2
Mambo mukuru wevese Wabvisa nhamo yokufa; Wakunda samba redima, Waponisa vanhu wake.
3
Guva rake rakarindwa Ndivo varindi nezvihwe; Asi zvino ane mbiri Wauya somukuriri.
4
Wasunungurwa mukufa, Nguva yenhamo yapera, Ngerosi yasima kuti Tenzi wenyu wamukazve.
5
Tenzi Jesu, gara nesu Zvino mukufara kwedu, Utichengete narini Musimba rese rokufa.
6
Mbiri ngaive kunewe Wakamukazve mukufa, Mbiri kuna Mwari Baba, Kuno Mweya Unoyera .Amen.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.