O sons and daughters, let us sing
1
ARERUYA! Areruya! Areruya! Vanhu vese ngatiimbe! Mambo wedenga nembiri Wakurira kufa nhasi Areruya!
2
ARERUYA! Areruya! Areruya! Uyo musi mangwanani Zvo vakadzi vakaenda Kundoona guva rake.
3
ARERUYA! Areruya! Areruya! Vaiona ngerosi, Ikati kuna vatatu Jesu vaenda Garire.
4
ARERUYA! Areruya! Areruya! Tenzi wavo wakauya Kuna vadzidzi achiti, ndinomupa runyararo
5
ARERUYA! Areruya! Areruya! Izvo Tomas akanzwa Kuti Tenzi waoneka, Wakaramba kudavira.
6
ARERUYA! Areruya! Areruya! Tomasi ona rutivi, Namaoko namakumbo, Davira usapokane.
7
ARERUYA! Areruya! Areruya! Wakagara pakupokana Zvo akaona maronda, Akati,Tenzi naMwari.
8
ARERUYA! Areruya! Areruya! Vakakomborerwa avo Vanodavira ngemwoyo, Vachigshira upenyu.
9
ARERUYA! Areruya! Areruya! Pamusi uno mukuru Simudzai mwoyo yenyu, Farai, mutende Mwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.