Christ the Lord is risen to-day
1
NGEKUMUKA kwake Kristu wakurira, Pasi raponiswa Ndiye Mambo wedu; Hondo dzangerosi Dziri kufarira, Dzamuvirikidza, Dzaimba Areruya.
2
Uyo wakazvipa Kare paM'chinjiko, Ndiye Paska yedu Nyenye yakachema; Wakafira, isu, Zvino ane mbiri, Tese tinofara, Tiimbe Areruya.
3
Uyo wakafira Isu vanhu vake, Zvino muponisi Anesimba rese; Mambo wavamambo, Anotonga vese, Ngatimutunhidze Tiimbe Areruya.
4
Wakatidzorera Varasiki vese, Vangasunungurwe Vanyangadzi ndiye; Paska yedu iwe Tichenure tese, Tikukudze Kristu; Tiimbe Areruya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.