Bhaibheri

Tadaidzwa kusangana

Anglican · Nziyo · 80

The lamb's high banquet we await

1

TADAIDZWA kusangana Pano paChidyo cheNyenye, Takabira nyanza tsvuku Tiimbire Jesu Mambo.

2

PaOtari yoM'chinjiko Wakatiripira mhosva; Ropa rake ngatirimwe, Tigare naye ndiMwari.

3

Vanhu vakasunungurwa Muhasha dzamambo Faro; Vachiponiswa usiku Pakapfuura ngerosi.

4

M'ponisi wakabaiwa SeNyenye isina vara, Nyama yake ,chingwa chedi, Inondopiwa kunesu.

5

Muteuro unokwana, Wakakurira Gehena; Vasungwi vasunungurwa, Vapiwa upenyu ndiwe.

6

Tirikukudza rumuko; Rwakauyazve nesimba; Rukasunga mhandu yedu Nokutiwanira musha.

7

Mbiri ngaive kunewe Wakamukazve mukufa, Mbiri kuna Mwari baba, Nokuna Mweya Mutsvene .Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.