Bhaibheri

Jesu mukuriri wedu

Anglican · Nziyo · 93

See the Conqueror mounts in triumph

1

Jesu mukuriri wedu Samambo anogadzwa; Anokwira pamakore Kuzambara redenga; Hondo dzengerosi dzese Dzinoti Areruya. Zarudzai mazambara , Kuti mambao apinde!

2

Ndianiko anouya Nokurira kwehwama? Tenzi naMwari wehondo, Uyo wakakurira, Uyo wakatambudzika Kamwe paMuchinjiko, Asi ngerumuko rwako Wakakurira Satani.

3

Wakakwidza unhu hwedu Kuna Mwari kum'soro; Akatigarisa denga Pamwe chete naKristu: Tese tinotonga umo, Mwari pamwe nomunhu: Tenzi mukukwira kwako, Tinoonawo kwedu.

4

Mutungamiri wedu, Wakatanga apinda Kutigadzirira nzvimbo, Muumamba hwedenga: Anorarama narini Achitinamatira; Uyo achazouyazve Pamusi wokutongwa.

5

Mbiri kunaMwari Baba; Nokuno Mukorore, Uyo wakawana denga Ngekutifira tese. Mbiri ngaive kumweya, Mbiri kuno Utatu; Mbiri pasi nokudenga, Mbiri isingagumi. Amen

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.