When God of old came down from Heaven
1
KARE Mwari wakadzika PaSinai nesimba ; Makore akatsemuka Nomwoto neutsi.
2
PaPendekoste wakauya Nesimba norudo; Njiva yake yakadzika Nokuzvirereka.
3
Mwoto pamusoro peSinai Wakatyisa kwazvo Zvino unojeka kwazvo Pavatsvene vese.
4
VaIsraeri vakanzwa Izwi rine ruzha, Rainge tsuri yaMwari Yakabva kudenga.
5
Panguvayo izvo mweya Wakauya pasi, Ruzha rukuru rwemhepo Rwakabva kudenga.
6
Chechi yakazadzwa zvino Nepasi resezve; Vamwe mwoyo mikukutu Havachanzi Mweya.
7
Tenzi, Nzero, Rudo, Simba, Nzeve dzedu dzinzwe, Tisapunyutse nguva'no, Tiponise Tenzi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.