Bhaibheri

Mweya Musiki tifemere

Anglican · Nziyo · 95

Come, Holy Ghost, Creator blest

1

MWEYA Musiki tifemere, Utungamire mwoyo yedu; Wakatisika Mwari wedu, Utipe samba rokudenga.

2

Unonzi iwe Munyaradzi, Nechipo chokumusorosoro; Upenyu hwomumwoyo medu, Mafuta okuzora mweya.

3

Zvipo zvinomwe zvokudenga Utipe zvino Unoyera; Uri chitsidzo chine samba ChaBaba ane samba rese.

4

Uvhenekere isu tese, Utizadzise une rudo: Miviri yedu yakaziya, Uipe simba renarini.

5

Udzinge zvino mhandu yedu, Utipe runyararo rwako: Hatichakundwi ndiSatani Nokuti unotibatsira,

6

Munewe ngatizive Baba, Ngatizivewo Mukorore; Ngatikuzive Mweya wedi WaBaba newoMukorore.

7

Ngatiremedze Mwari Baba NoMukorore pamwe chete; NoMweya ngatiremekedze Nyamusi namazuva ese. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.