Bhaibheri

Panguva Yokuteura

Baptist Nziyo 112

1

Panguva yokuteura Ndinonyaradzwa naBaba; Ndouya nokukumbira Nokushaya kunaBaba; Panguva yokutambudzwa Mweya wangu wanyaradzwa, Ndinokunda mukuedzwa Panguva yokuteura.

2

Panguva yokuteura, Inguva yokukumbira Kwaari, anovimbika, NdiMwari wokuyamura; Iye anondidaidza Kumutsvaka nokuvimba, Ndomuudza kutambudzwa, Panguva yokuteura.

3

Panguva yokuteura Ngandiwane kuyamura, Ndichingogara panyika, Misi yose ndoteura; Kana ndichisiya nyika Kuti ndiende kudenga, Ndichatenda; ndichakudza Nguva ’yo yokuteura.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.