Bhaibheri

Hama Yedu NdiShe Jesu

Baptist Nziyo 113

1

Hama yedu ndiShe, Jesu, Watakudzwa kuipa, Tapiwa kuti tiuye Kwa’ri nokuteura; Kunyarara hatiwani, Tinotambudzwa kwazvo, Nokuti hatitakuri Zvose nomuteuro.

2

Takanetswa nokuedzwa, Tinotambudzwa here? Tiregei kurasha mwoyo, Teura kuna Ishe; Aripo watendisika SaJesu ane tsitsi, Waziva kurukutika, Teura kuM’ponesi.

3

Takati rukutu here? Zviripo zvinonetsa? Muponesi bako redu, Zvino tinoteura; Hama dzako dzakuzvidza, Teura kwaShe wako, Pamaoko wochengetwa, Wozorodzwa ikoko.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.