Hareruya Muponesi
Baptist Nziyo 12
1
Jesu, mwana waMwari, Wakasvika kwatiri, Kuti abvise zvivi; Hareruya! Muponesi!
2
Wakatukwa nesu wo, Nokuda kwezvitadzo, Tipiwe kanganwiro; Hareruya! Muponesi!
3
Wakafira vatadzi, Andichenese ini, Zvino ari naMwari; Hareruya! Muponesi!
4
Achadzoka panyika, Achamutsa vakafa, Tichaimba kudenga; Hareruya! Muponesi!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.