Wakatsvaka Ini
Baptist Nziyo 13
1
Jesu Kristu wakasiya denga, Asvike pano kuzoberekwa, Ndinoshamiswa kurangarira, Wakatsvaka ini, Wakatsvaka ini, (tsvaka ini,) Wakatsvaka ini, (tevaka ini,) Ndinoshamiswa kurangarira, Wakatsvaka ini.
2
Jesu Kristu wakafira ini, Pam’chinjikano abvise zvivi, Kunzwisisa ini handigoni, Wakafira ini. Wakafira ini, (fira ini,) Wakafira ini, (fira ini,) Kunzwisisa ini handigoni, Wakafira ini.
3
Jesu Kristu wakazonditsvaka, Kunyange ini ndakamuramba, Rudo rwake runondishamisa, Anodana ini. Anodana ini, (dana ini,) Anodana ini, (dana ini,) Rudo rwake runondishamisa, Anodana ini.
4
Jesu Kristu achadzoka pano, Kuti atitore kudenga ’ko, Ndichafara kumuwona zvino, Achitora ini, Actitora ini, (tora ini,) Achitora ini, (tora ini,) Ndichafara kumuwona zvino, Achitora ini.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.