Pamuchinjikwa
Baptist Nziyo 14
1
Jesu She wakandifira, Pachipiyaniso; She wakandiparadzirwa, Ndiende kudenga.
Chorus
M’chinjikwa, M’chinjikwa, Pandakaona She, Zvivi zvangu zvomwoyo Zvabviswa! (Zvabviswa) Pamuchinjikwa, Ndapiwa nyasha; Zvino ndafadziswa Muzvose.
2
Musiki wedu mukuru, Wakazova nyama, Kuti atifire isu, Tirege kurashwa.
3
Zvivi zvangu zvakamupa Rufu pam’chinjikwa; Nyasha huru yoshamisa, Inondiponesa.
4
Hatigoni kuregera Zvivi zvedu zvose; Asi She ngaazviite, Tigogam’chira She.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.