Bhaibheri

She Jesu Wakanatsa

Baptist Nziyo 199

1

Ndaifamba muzvivi; ndakatadza kwazvo! Bva Jesu Muponesi wakandipa rudo! Wakandinzwira tsitsi mumatambudziko, She Jesu wakanatsa; wondipa mufaro!

Chorus

She Jesu wakanatsa zvivi zvangu zvose! She Jesu wakanatsa; wondipa rugare! Ndinofara zvikuru nokuda kwaJesu! She Jesu wakanatsa muupenyu hwangu!

2

Ndinoda kuzivisa vadikanwa vangu Zva Jesu, Mambo mutsva, woupenyu hwangu; Vachafara zvikuru nokuda kwaJesu, She Jesu wakanatsa muupenyu hwangu!

3

Chiuyai kuna Jesu, imi mose zvino, Muchafara zvikuru kupiwa wo rudo; Jesu anokuda-i; musatya henyu ’po, She Jesu achanatsa zvitadzo zvenyu wo!

4

Ipapo tiri mumwe pamwe chete naShe; Wakatifira tose tiponeswe naye; Tichaenda kudenga tigare mis’ yose! She Jesu wakanatsa zvivi zvedu zvose!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.