Bhaibheri

Tendai Jesu

Baptist Nziyo 200

1

Tendai Jesu nhas’ uno, Tendai Jesu munhamo, Kunyange munonetswa, Tendai Jesu nesimba!

Chorus

Tendai Jesu muzvose, Tendai Jesu mis’ yose, Tendai Jesu mumwoyo, Tendai Jesu nhas’ uno!

2

Anondisimbisa ’po, Wonditungamira wo, Saka handityi pano, Tendai Jesu nhas’ uno.

3

Ndinoimba norudo, Ndonamata munhamo, Bva muzvinhu zvose ’po, Tendai Jesu nhas’ uno.

4

Tenda-i muupenyu, Tendai Jesu murufu, Ipapo tichasvika Kudenga, tigogara!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.