Nounyoro Jesu Anokudana
Baptist Nziyo 61
1
Nounyoro Jesu anokudanai, Kudana imi ne’ni; Onai pamsoro anokumirirai, Nokukutarisirai.
Chorus
Uyai, uyai, imi, Makatambudzwa, uyai zvino; Nesimba norudo Jesu wodana Kudana imi, uyai.
2
Tichamirire-i She uchidana? Kudana imi ne’ni Tichagarire-i tisina nyasha? Nyasha pamsoro pedu.
3
Nguva yotiza, musi wopfuura Kubva kune’mi ne’ni M’bvuri youya nenhovo yorufu Pamsoro pe’mi ne’ni.
4
Kugam’chira rudo rwakavimbiswa Takavimbiswa narwo Kunyange takatadza, ane nyasha, Ruregerero rwedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.