Bhaibheri

Uya, Mutadzi, Uya

Baptist Nziyo 62

1

Kana Jesu wotaura, Chiuya! Kana tokunamatira, Chiuya! 'Nguva kuva waShe Jesu, Chiuya! 'Nguva kumuziva Jesu, Chiuya!

2

Wakaremererwa, here? Chiuya! Jesu wotakura zvose, Chiuya! Jesu haakunyengeri, Chiuya! Jesu anokugam’chira, Chiuya!

3

Wonyunyutire-i zvino! Chiuya! Woite-i usina She? Chiuya! Mwoyo wake unokuda, Chiuya! Unomutizire-i ko? Chiuya!

4

Wafamba kure naIshe, Chiuya! Waparadza pfuma yake, Chiuya! Rega kuomesa mwoyo, Chiuya! Jesu anoregerera, Chiuya!

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.