Tendai kuna Jesu She
Baptist Nziyo 70
1
Tendai kuna Jesu She iko zvino, Chizivisai vanhu vose wo pano, Chirumbidzai zita rake murudo, Tendai kuna Jesu saIshe.
Chorus
Ten.........dai, (Tendai kuna Jesu She,) Ten.........dai, (Tendai kuna Jesu She,) Tendai kuna Jesu saShe iko zvino (Tendai kuna Jesu saShe iko zvino,) Ten.........dai, (Tendai kuna Jesu She,) Chitendai kuna Jesu saIshe! (Chitendai kuna Jesu saIshe!)
2
Tendai kuna Jesu She; ane simba, Zvivi zvedu zvose achazvibvisa, Achatitakura naye kudenga, Tendai kuna Jesu saIshe.
3
Tendai kuna Jesu She muzvose wo, Muchapiwa simba rake norudo, Muchakunda Satan’ naJesu zvino, Tendai kuna Jesu saIshe.
4
Tendai kuna Jesu She wakatipa, Shoko rake rotitungamirira, Sezva tinorava tichasimbiswa, Tendai kuna Jesu saIshe.
5
Tendai kuna Jesu She munhamo wo, Kufunganya chipai kuna She zvino, Muchapiwa rugare nomufaro, Tendai kuna Jesu saIshe
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.