Chiudza Jesu
Baptist Nziyo 71
1
Unonetswa nokusuwa, here? Chiudza Jesu; chiudza Jesu, Unoda kurasha mwoyo, here? Chiudza Jesu zvino.
Chorus
Chiudza Jesu; chiudza Jesu, Wotitungamirira, Jesu She achagara wo matiri, Chiudza Jesu zvino.
2
Une nhamo muupenyu, here? Chiudza Jesu; chiudza Jesu, Iye angakupe simba rake, Chiudza Jesu zvino.
3
Ko, unotya zvivi zvako, here? Chiudza Jesu; chiudza Jesu, Ane simba rokubvisa zvose, Chiudza Jesu zvino.
4
Ko, unotya rufu rwako, here? Chiudza Jesu; chiudza Jesu, Jesu Kristu achaenda newe, Chiudza Jesu zvino.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.