Bhaibheri

Upfumi Hwechokwadi

Catholic · Nziyo · 1001

J. Kaseke

Chorus

M: Upfumi hwechokwadi mwenje wokudenga mwenje wokudenga mwenje wechokwadi V: S/A Nokuti upfumi wapasi hunoparadzwa nezvipfukuto nengura-a. Regai kuz viunganidzira upfumi panopasi pane mbavha dzinopaza dzichiba upfumi hwenyu B --- Kuzviunganidzira wapasi nezvipfukuto nengura kuzviunganidzira upfumi pano pasi, mbavha dzinopaza dzichiba upfumi hwedu

1

Hakuna munhu angagona kuitira Mwari uye mari kana kuva muranda wavatenzi vaviri

2

Tarisai shiri dzedenga hadzina matura uye hadzikohwi asi Baba venyu vari kudenga vanodziriritira

3

Ndiyaniko pakati penyu angarebesa hupenyu hwake nenguva duku duku nokuda kokuzvidya moyo nezvoupenyu hwapasi

4

Tsvagai umambo hwaMwari kutangira izvi zvose zvimwewo zvic hazopamidzirwa naMwari kwamuri

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.