J. Kaseke
Chorus
M: Upenyu hwedu ndimi Mambo kumuka kwedu ndimi Kristo V: All Upenyu hwedu ndimi Mambo kumuka kwedu ndimi Mambo, nzira yokudenga ndimi Kristo, hoyoi mwana wenyu wadaidzwa naMwari Baba ngaabve munyika munofiwa
1
Mambo wedu Yesu hama yedu yamakadaidza iyo makamufirawo pachipiyaniso hama yedu iyo
2
Chipiyaniso chenyu chamakatakura chirerutse kutongwa kwake, hama yedu iyo
3
Ropa renyu sande rakaererawo pachipiyaniso ngarieredzewo matadzo ake hama yedu iyo
4
Achibva munyika munofiwa apinde mudenga mumifaro ya makatsidzirawo vanotenda
Chorus
All Pindai naye muParadiso abve munyika munofiwa awane mifaro yedenga yamakatsidzira kuna vanotenda
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.