J. Pise
Chorus
M: S/A Ushamwari Hwezvirokwazvo V: All Munhu anomukanwa munotapira munhu munyoro anofarirwa navazhinji, tamba zvako neshamwari zhinji, asi iva nomumwe chete waunoita waunoita wako wepamoyo
1
Kana uchida kuita ushamwari nomumwe, tanga wamuedza usachimbidze kutendeseka nayehe, uchenjerere shamwari dzako
2
Imwe ishamwari yamazuva anonakirana navo, asi nemazuva renhamo hauzoiona, uchenjerere
3
Imwe ishamwari inozova muvengi, yokunyadzisa nokuparidziriravamwe nokuparadzana kwamakaita, uchenjerere
4
Imwe ishamwari pakudya chete, asi kana pava nenhamo hauzoiona, uchenjere
5
Shamwari inotendeseka idiziro kwaro, uyoo ane shamwari yakadai mupfumi, uchenjerere
Chorus
B Shamwari – dzamazvirokwazvo mushonga woupenyu, anotya Mwari ndiye anowana shamwari dzamazvirokwazvo S/A --- Shamwari dzamazvirokwazvo mushonga woupenyu, uye anotya Mwari anowana
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.