Bhaibheri

Usiku Hwechirairo Chokugumisira

Catholic · Nziyo · 1004

J.H. Chikomo

Chorus

M: Usiku hwechirairo chokugumisira Yesu V: S/A Akabata chingwa akatenda ndokuchimedura akapa vadzidzi vake oti, uyu muviri wangu. Akaitawo izvi nomukombe wehwaini akati kwavari inwai iri iropa rangu B --- Akabata chingwa akatenda ndokuchimedura akapa vadzidzi vake oti, gamuchirai mudye muviri wangu. Akaitawo izvi nomukombee nomu kombe wehwaini inwai iropa rangu

1

Nguva yose yamunodya muviri wa-aKristo

2

Nguva yose yamunonwa ropa ra-aKristo

3

Munenge muchiparidza rufu rwa-aTenzi

Chorus

B Itai izvi kuti mugosindiyeuka nazvo itai izvi itai izvi mundiyeuke S/A --- Itai izvi kuti mugosindiyeuka nazvo itai izvi kuti mundiyeuke

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.