Bhaibheri

Uyai Kuzopfugamira Mambo

Catholic · Nziyo · 1015

I. Maputsa Nezungai

Chorus

M: Uyai kuzopfugamira Mambo V: S/A Uyai kuzopfugamira Mambo wavapenyu vose, uyai kuzopfugamira Mambo wavapenyu vose. B Uyai kuzopfugamira Mambo vose uyai uyai --- Mambo wavapenyu vose.

1

Ndakadanidzira kwamuri Mwari ndiri makadzika, dai imi Mambo

2

Mambo inzwai kuteterera kwangu nzeve dzenyu ngadzite-erere, dai imi Mambo

3

Asi matadzo anoregererwa nemi kuti navanhu vakukudzei, dai imi Mambo

4

Ndinorindira Mambo mweya wangu unoterera shoko renyu, dai imi Mambo

5

Mweya wangu unorindira Mambo, kupfuura varindi vanorinda rungwanani, dai imi Mambo

6

Nokuti kuna Mwari kune ngoni uye kwaari kununurwa kukuru, dai imi Mambo

Chorus

S/A Dai mairangarira zvisakarurama-a ndianiko? Ndiani-i? Wairamba amire Mambo. B Mairangarira zvisakarurama – ndianiko? Ndianiko airamba amire Mambo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.