A. Chamunorwa
Chorus
M: Uzorore murugare-e, uzorore murugare-e, uzorore murugare-e V: S Pinda mumba mako uzorore mu-ru-ga-re kudzamara musi unomutswa vanhu vose pinda mumba mako B --- Uzorore murugare kudzamara musi unomutswa vanhu vose uzorore murugare T Mwari Mambo tambira mwana wenyu mugare naye misi yose – Mwari Mambo – tambirai-i
1
Mambo mukayeuka zvivi angasarangwe ndiyaniko, munzwireiwo tsitsi Mambo, mumutore mugare naye
2
Muregerereiwo Mambo zvitema zvake zvose zvose, mwana ndowenyu uyu Mambo musamukande kwakadaro
3
Tandirai vavengi kure vanoda kuti vamutore, ngaasvike kwamunogara kuupenyu husingperi
4
Kanganwai zvitema zvake achifara nemi narini, mupeiwo rugare rwenyu chiedza chimuvhenekere
5
Kristo imi makamufira muchingurei nhasi uno, apinde mudenga mamuri sezvakaita mbavha iya
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.