Bhaibheri

Vakachingura Mambo Vachiti Hosana

Catholic · Nziyo · 1050

J.K. Dzingai

Chorus

M: Vakachingura Mambo vachiti hosanna V: S/A Vakachingura Mambo vanhu vazhinji --- vakatakura masanzu emirara vanhu vazhinji B/T Vanhu vazhinji vakachingura Mambo vanhu vazhinji, masanzu emirara vanhu vazhinji vakachingura Mambo

1

Nyika ndeya Mambo nazvose zvirimo, nyika yose navageremo ndeva Mambo

2

Ndiye wakaitega pamusoro pamakungwa nokuisimbisa pamusoro penzizi

3

Zarukai imi masasa epasichigare kuti Mambo wokubwinya apinde

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.