S.T. Chari
Chorus
M: Vakakomborerwa V: S/A Vakakomborerwa vakachena vakachena pamwoyo vachaona chiso chaMwari vakachena pamwoyo B Vakakomborerwa, vakakomborerwa, vakachena pamwoyo --- chiso chaMwari pamwoyo
1
Misodzi yangu yakanga iri kudya kwangu masikati nousiku
2
Pakutaura kwavavengi kwandiri vachiti Mwari wako aripiko
3
Unoshuvireiko mweya wangu unoshaiwa rugare neiko mukati mangu
4
Tarira kuna Mwari ndichazokurumbidza nokuda kwokuponeswa kwako
5
Akakomborerwa ane hanya navarombo, Mwari achamununura nemusi wezvakaipa
6
Imi muchamuchengeta nokumuraramisa muchakomborerwa panyika
7
Mwari achamutsigira panhoo yourwere achamushanyira pakurwadziwa kwake
8
Mwari Mambo wedu ngaarumbidzwe zvisingaperi nokusingaperi
Chorus
S/A Mweya wangu une nyota yaMwari mupenyu ndichasvika riniko ndione chiso chaMwari B Mweya wangu, mweya wangu, mweya wangu-hu Mwari Mwari chiso chaMwari
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.