Bhaibheri

Vakakomborerwa Havo Vakakokwa

Catholic · Nziyo · 1059

A. Chamunorwa

Chorus

M: Vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko V: S/A Vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko, vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko, omuchato hwehwayana – vakakomborerwa-a havo vakakokwa kumabiko omuchato wehwayana B Kumabiko omuchato wehwayana, kumabiko omuchato wehwayana, vakakomborerwa havo-o-o, vakakomborerwa kumabiko ehwayana

1

Mweya wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu

2

Musha wangu idara renyu rinoera Mambo wangu naMwari wangu

3

Vakakomborerwa vanogara mumba menyu vanogara vachikurumbidzai

4

Vakaropafadzwa vanhu vanorubatsiro rwenyu kana vachizvigadzirira rwendo rwavo

5

Kana vachipfuura nomubani rakaoma vanoriita nzvimbo ina matsime

6

Zviro kwazvo mvura yomunhuruka inorifukidza namakomborero

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.