Bhaibheri

Vakakomborerwa Vakakokwa Havo

Catholic · Nziyo · 1063

J. Makaure

Chorus

M: Vakakomborerwa vakakokwa havo V: S Vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko, kumabiko omuchato wehwayana vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko omuchato wehwayana B --- Vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko, kumabiko omuchato wehwayana vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko omuchato wehwayana

1

Mweya wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu

2

Musha wangu idara renyu rinoera Mambo wangu naMwari wangu

3

Vakakomborerwa vanogara mumba menyu vanogara vachikurumbidzai

4

Vakaropafadzwa vanhu vanorubatsiro rwenyu kana vachizvigadzirira rwendo rwavo

5

Kana vachipfuura nomubani rakaoma vanoriita nzvimbo ina matsime

6

Zviro kwazvo mvura yomunhuruka inorifukidza namakomborero

7

Vanofamba nesimba vanosvika pamberi paMwari

Chorus

All Vakakomborerwa havo vakakokwa kumabiko omuchato wehwayana

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.