Bhaibheri

Vakarurama Vanogara

Catholic · Nziyo · 1071

C.Takura

Chorus

M Vakarurama vanogara V: S/A Mumaoko aMwari hamuna nhamo inovabata vanogara mumaoko aMwari B Mumaoko aMwari vakarurama hakune nhamo inovabata

1

Mumeso amapenzi vanotaridzika savakafa asi vanogara murugare

2

Mwari panguva yaakadzosa isu vatapwa takanga takafanana nevanorota hope

3

Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka rurimi rwedu ruzere nokuimba

4

Ipapo vasemi vakati Mwari akavaitira zvinhu zvikuru

5

Mwari akatiitira zvinhu zvikuru zvirokwazvo tinofara

6

Vanodyara nemisodzi vachacheka nomufaro

7

Vanofamba-famba vachichema vachadzoka nomufaro nezvimwanda zvavo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.