Bhaibheri

Vakarurama Vanogara

Catholic · Nziyo · 1073

Sr Perpetua Muza (Holy Cross)

Chorus

M: S/A Vakarurama vanogara mumaoko aMwari V: S/A Hakune nhamo inovabata vakarurama vanogara mumaoko aMwari B --- Hakune nhamo, inovabataha --- vakarurama vanogara mumaoko, aMwari

1

Mumeso amapenzi vanotarisika savakafa, asi vanogara murugare

2

Mwari panguva yaakadzosa isu vatapwa, takanga takafanana navanorota hope

3

Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, rurimi rwedu ruzere nokuumba

4

Ipapo vasemi vakati, Mwari akavaitira zvinhu zvikuru

5

Vanodyara nemisodzi, vachacheka nomufaro

6

Vanofamba-famba vachichema vachadzoka nomufaro nezvimwanda zvavo

Chorus

S/A Mwari akatiitira zvinhu zvikuru zviro kwazvo, zviro kwazvo tinofara B Mwari akatiitira zvinhu zvikuru zviro kwazvo --- tinofara

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.