Bhaibheri

Vanhu Mose Chigadzirirai

Catholic · Nziyo · 1084

J. Kaseke

Chorus

M: Vanhu mose chigadzirirai zvino nguva yava kuswedera Part 1: S/A Tarirai zvakanyorwa mumagwaro matsvene zvava kuitika marudzi avanhu ava kumukirana, madzimambo ava kumukiranawo, onai pasi rose harisisina rugare vanhu vazhinji vari kufa zuva nezuva B Tarirai zvakanyorwa mumagwaro matsvene zvava kuitika, marudzi avanhu ava kumukirana, madzimambo ava kumukiranawo --- pasi rose harisisina rugare vanhu vazhinji vari kufa zuva nezuva Part 2: All Simukai munamate nomwoyo wenyu wose simukai, muparidzire chitendero chenyu. Kumativi mana ose enyika endai munoyamura varombo, asi regai kushambadzira kuyamura kwenyu kuvanhu Part 3: All Kumativi mana ose enyika endai munoyamura varombo, asi regai kushambadzira kuyamura kwenyu kuvanhu Part 4: M: Kumativi mana enyika, vatenderi mose V: All Vatenderi mose simukai muzvipire kuna Mwari muchitungamirira vanhu vepasi rose. Fambai muri muchokwadi, fambai makatungamidza makwara matsvene nokuti ndizvo zvinodawo Mwari wenyu

1

Mwari chitipaiwo simba tirege kuzvifunga isu pachedu, kuti vatenderi vose vakwanise kunamatirawo pasi rose

2

Mwari mune tsitsi dzinoshamisa dzokukomborera, kunyange vasingakudei. Tarisai vanhu vazhinji varasika pasi rose

3

Tinokudai Mwari --- nokuti ndimi munoraramisa zvisikwa zvepasi rose tinokutendai, makatipa upenyu hwapasi kusvika nhasi uno

Chorus

S/A Fambai musingatyi nokuti munhu wenyama haagone kuuraya mweya wenyu. Fambai muchifaraha nokuti mazuvaha akataurwa ava pedyo B Fambai musingatyi nokuti munhu wenyama kuuraya mweya wenyu --- muchifaraha nokuti mazuvaha akataurwa ava pedyo, ava pedyo

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.