Bhaibheri

Vanhu VaMwari Vongai Tenzi

Catholic · Nziyo · 1085

N.A. Mabwe

Chorus

M: S/A Vanhu VaMwari vongai Tenzi V: S/A Mumurumbidze Nyadengadenga nokuti ngoni dzake hadziperi, ndiyaniko angarondedzera mabasa aMwari, kana kuparidza mbiri yake --- vakakomborerwawo --- vanoruenzaniso --- vanogara zvakarurama nguva dzose. B Mumurumbidze Nyadengadenga ngoni dzake hadziperi, ndiyaniko angarondedzera mabasa, kana kuparidza mbiri --- vakakomborerwawo avo vakakomborerwawo vanoruenzaniso --- vanogara zvakarurama nguva dzose.

1

Takatadza sezvakaita madzibaba edu, tikapara mhosva nokusaziva kunaka kwaMwari kunoshamisa.

2

Kunyange zvakadaro Tenzi achatiponesa nokuda kwezita rake kuti aratidze simba guru kuvanhu vake.

3

Mwari tikokoredzeiwo tibude mukati medzimwe ndudzi dzakaipa, kuti tigogona kuvonga zita renyu iro rinoera.

Chorus

S/A Dondiyeukaiwo Tenzi, mugondishanyira noruponeso, kana moitira vanhu venyu zvakanaka, kuti tigofara pamwechete navo, tichirumbidza, imi Mwari. B Dondiyeukaiwo Tenzi, mugondishanyira mugondishanyira, moitira vanhu zvakanaka, kuti tigofara navo kudenga, tichirumbidza, imi Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.