Bhaibheri

Hosi Yedenga Chifarai

Catholic · Nziyo · 109

C. Shuro-Chihava

Chorus

M: S/A Hosi yedenga, chifarai-i V: S/A Nokuti uyo, wamakakodzera kubereka --- wamuka sokureva kwaakaita, wamuka sokureva kwaakaita B Nokuti uyo-o --- wamakakodze-ra – kubereka wamuka sokureva kwaakaita – Alleluya wamuka sokureva kwaakaita

1

Mutireverere kuna Mwari, kuna Mwari Alleluya

2

Mwari imi, makada kufadza pasi pose

3

Nokumuka komwana wenyu Yesu Kristo Mambo wedu

4

Tinokumbira nokuna amai vake Maria muvirigo, kuti mutipewo mifaro isingaperi kudenga

5

Mambo wedu Yesu Kristo tisvitsireiwo izvi kuna Mwari Baba Amen

Chorus

S/A Farai nokufara muvirigo, farai Maria Alleluya nokuti Mambo amuka, amuka chokwadi B --- Nokufara muvirigo, farai Maria Alleluya Mambo amuka amuka chokwadi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.