T.M. Dunduru
Chorus
M: Alleluya Mambo tauya. V: All Kuzopfugamiraa kuzopfugamira Mambo nezvipo zvomupiro.
1
Uyai munzwe imi mose
2
Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.
3
Wakashandura gungwa rikava nyika yakaoma.
4
Vakayambuka rwizi netsoka.
5
Anobata umambo nekusingaperi nesimba rake.
6
Meso ake anocherechedza ndudzi.
7
Rumbidzai Mwari imi vanhu.
8
Izwi rokurumbidza ngarinzwikwe.
9
Iye anopa mweya yedu rupenyu.
10
Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.
11
Ndakachema kwaari nomuromo wangu.
12
Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.
13
Izwi rake akava munhu ndokugara nesu.
Chorus
S Tauya Mambo alleluya nezvipo zvomupiro. B Tauya Mambo nezvipo zvomupiro.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.